2 Corinthians 12:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinofanira haŋgu kuɀirumbidza, kunyaŋge ɀisina‐kunaka, asi ndicaȿika paɀiratidzo neɀakazarurwa ɀaShe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinofanira kuramba ndichizvirumbidza. Kunyange zvisina zvazvinobatsira, ndichapfuurira mberi ndigotaura pamusoro pezviratidzo nezvakazarurwa zvaShe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hazvina zvazvo zvazvinobatsira asi ndinofanira kuenderera mberi nokuzvirumbidza. Ndava kuenda kune zvezvioneso nezviratidzo zvaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinofanira hangu kuzvirumbidza, kunyange zvisina kunaka, asi ndichasvika pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe.
Shona 2009?
Ndinofanira hangu kuzvirumbidza, kunyange zvisina kunaka, asi ndichasvika pazviratidzo nezvakazarurwa zvaShe.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinofanira hangu kuzvirumbidza, kunyangwe zvisina kunaka, asi ndichasvika pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe.