2 Corinthians 12:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti makapfuʋurwa neiko nedzimŋe kereke, asi pakuti ini handina‐kukuremedzai? Ndikaŋganwirei henyu kusarurama uku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, imi makanga muri vaduku sei kune dzimwe kereke, kunze kwokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu? Ndiregererei pakutadza uku!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko chamusina kuitirwa chakaitirwa mamwe masangano ndechipi kusiya kuti hapana, ini pachangu, chandakakuremedzai nacho. Mundiregererewo kukukanganisirai kudai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti makapfuurwa neiko nedzimwe kereke, asi pakuti ini handina kukuremedzai? Ndikanganwirei henyu kusarurama uku.
Shona 2009?
Nokuti makapfuvurwa neiko nedzimwe kereke, asi pakuti ini handina kukuremedzai? Ndikangamwirei henyu kusarurama uku.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti makapfuurwa neiko nedzimwe Chechi, asi pakuti ini handina kukuremedzai? Ndikanganwirei henyu kusarurama uku.