2 Corinthians 12:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaraira Tito, ndikatuma hama iya naye; ko Tito wakakutorerai cinhu here? Hatina‐kufamba nomŋeya mumŋe here? Ʋuye namakwara mamŋe here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakurudzira Tito kuti auye kwamuri uye ndatumira hama yedu pamwe chete naye. Tito haana kukutorerai chinhu, akakutorerai here? Hatina kufamba nomweya mumwe chete here uye tikatevera nzira imwe chete?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakakurudzira Titosi kuenda ndikamutumira neimwe hama yedu. Titosi akakunyengedzerai here? Hatina here kushanda nomweya mumwecheteyo tichitevera gwara rimwechete?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakarayira Tito, ndikatuma hama iya naye; ko Tito akakutorerai chinhu here? Hatina kufamba nomweya mumwe here? Uye namakwara mamwe here?
Shona 2009?
Ndakaraira Tito, ndakatuma hama iya naye; ko Tito wakakutorerai chinhu here? Hatina kufamba nomweya mumwe here? uye namakwara mamwe here?
Shona SUB 2002 Bible
Ndakarayira Tito, ndikatuma hama iya naye; ko Tito akakutorerai chinhu here? Hatina kufamba nomweya mumwe here? Uye namakwara mamwe here?