2 Corinthians 12:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋguʋa yose makaŋga muciti tinoɀiɗaʋirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMŋari munaKristu; asi tinotaura iɀi ɀose, ʋaɗikanwa, kuti musimbiswe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makanga muchizvifunga here nguva yose iyi kuti takanga tichizvidavirira? Takanga tichitaura pamberi paMwari savaya vari muna Kristu; uye zvose, zvatinoita, vadikani, tinozviita kuti musimbiswe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Manga muchifunga here, pose apa, kuti tanga tichizvidzivirira kwamuri? Takanga tichitaura muna Kristu pamberi paMwari tichida kukuvakai, hama dzangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nguva yose makanga muchiti tinozvidavirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura izvi zvose, vadikanwi, kuti musimbiswe.
Shona 2009?
Nguva yose makanga muchiti tinozvidavirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari munaKristu; asi tinotaura izvi zvose, vadikamwa, kuti musimbiswe.
Shona SUB 2002 Bible
Nguva yose makanga muchiti tinozvidavirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura izvi zvose, vadikanwi, kuti musimbiswe.