2 Corinthians 12:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinoziʋa munhu uri munaKristu, aʋa makore anegumi namanna apfuʋura, (kana ɀakaitwa mumuʋiri, kana kunze kwomuʋiri, handiziʋi; Mŋari unoziʋa), munhu wakaɗai wakakwidzwa kuɗeŋga recitatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinoziva mumwe munhu ari muna Kristu, uyo makore gumi namana akapfuura akakwidzwa kudenga rechitatu. Kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri handizivi, Mwari ndiye anoziva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinoziva mumwe munhu muna Kristu akatututswa kuenda kudenga rechitatu makore gumi namana apfuura. Kuti akaendako nomuviri wake here kana kuti asina muviri wake, handizivi, Mwari ndiye anoziva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinoziva munhu ari muna Kristu, ava makore ane gumi namana apfuura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari anoziva), munhu akadai akakwidzwa kudenga rechitatu.
Shona 2009?
Ndinoziva munhu uri munaKristu, ave makore anegumi namana apfuvura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze komuviri, handizivi; Mwari unoziva), munhu wakadai wakakwidzwa kudenga rechitatu.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinoziva munhu ari muna Kristu, ava makore ane gumi namana apfuura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari anoziva), munhu akadai akakwidzwa kudenga rechitatu.