2 Corinthians 12:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndinotya kuti ɀimŋe kana ndiciȿika, ndiŋgakuwanai musina‐kuita seɀandinoɗa, neni ndiŋgawanikwa nemi ndakaita seɀamusiŋgaɗi; ɀimŋe kuŋgaʋa’po gakaʋa, negoɗo, nokutsamŋa, nokupesana, nokucera, namakuhwa, namanyawi, nenyoŋganiso;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndinotya kuti pandichauya kwamuri handingakuwanei muri zvandinoda kuti muve, uye mungandiwana ndisiri zvamunonditarisira kuti ndive. Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvimwe ndingawana pakati penyu paine gakava, godo, kutsamwa kukuru, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi nenyonganiso.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndavakutotya kuti pamwe ndichauya ndikasvikokuwanai musiri zvandinoda kuti munge muri uye kuti muchandiwana ndisiri zvamunoda kuti ndinge ndiri. Zvichida pano kutukana kana shanje kana hasha kana kuzvifunga kana kurevana kana makuhwa kana kuzvikudza kana nyonganyonga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe kungavapo gakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuchera, namakuhwa, namanyawi, nenyonganiso;
Shona 2009?
Nokuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemwi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe kungavapo gakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuchera, namakuhwa, namanyawi, nenyonganiso;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe kungavapo gakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuchera, namakuhwa, namanyawi, nenyonganiso;