2 Corinthians 12:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti kana ndiciȿika ɀe, Mŋari waŋgu arege kundininipisa pamberi penyu, ndiceme pamsoro paʋazhinji ʋaʋo ʋatotadza, ʋakasatendeʋuka patȿina yaʋo, noʋupombge, no ʋ utere bgaʋakaita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinotya kuti kanaGoudy ndauya kwamuri zvakare, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, uye ndicharwadziwa nokuda kwavazhinji vakaita zvivi kare uye vasina kutendeuka kubva pakusachena kwavo, chivi choupombwe noutera hwavakaita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiri kuzeza kuti pandichauyazve, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, ndavakuungudza ndichichema vazhinji vaya vakatadza vasati vapinduka kune zvakan'ora nounzenza noupombwe zvavakaita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti kana ndichisvikazve, Mwari wangu arege kundininipisa pamberi penyu, ndicheme pamusoro pavazhinji vavo vatotadza, vakasatendeuka patsvina yavo, noupombwe, noutere hwavakaita.
Shona 2009?
kuti kana ndichisvika zve, Mwari wangu arege kundininipisa pamberi penyu, ndicheme pamusoro pavazhinji vavo vatotadza, vakasatendevuka patsvina yavo, novupombwe, novutera bwavakaita.
Shona SUB 2002 Bible
kuti kana ndichisvikazve, Mwari wangu arege kundininipisa pamberi penyu, ndicheme pamusoro pavazhinji vavo vatotadza, vakasatendeuka patsvina yavo, noupombwe, noutere hwavakaita.