2 Corinthians 12:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana ndiciɗa kuɀirumbidza, handiŋgaʋi ɓenzi; nokuti ndicareʋa ɀamaɀokwaɗi; asi ndinorega haŋgu, kuti kurege kuʋa nomunhu, uŋgati ndiri mukuru kuneɀaakaʋona kana ɀaakanzwa kwandiri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange dai ndikasarudza kuzvirumbidza, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi. Asi ndinorega zvangu, kuitira kuti pashayikwe munhu angafunga kuti ndiri mukuru kupfuura zvandinoita kana kutaura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai kuri kuti ndinozvidadisa zvangu, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi asi handizvidadisi kuti vanhu varege kundiona sowokumusoro kupinda zvavanoona mandiri kana zvavanonzwa kwandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana ndichida kuzvirumbidza, handingavi benzi; nokuti ndichareva zvamazvokwadi; asi ndinorega hangu, kuti kurege kuva nomunhu, angati ndiri mukuru kunezvaakaona kana zvaakanzwa kwandiri;
Shona 2009?
Nokuti kana ndichida kuzvirumbidza, handingavi benzi; nokuti ndichareva zvechokwadi; asi ndinorega hangu, kuti kurege kuva nomunhu, ungati ndiri mukuru kunezvaakavona kana zvaakanzwa kwandiri;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana ndichida kuzvirumbidza, handingavi benzi; nokuti ndichareva zvamazvokwadi; asi ndinorega hangu, kuti kurege kuva nomunhu, angati ndiri mukuru kune zvaakaona kana zvaakanzwa kwandiri;