2 Corinthians 12:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati kwandiri: Nyasha dzaŋgu dzinokuriŋgana; nokuti simba raŋgu rinozadziswa paʋutera bgako. Naiɀoɀo ɀirinani kuti ndiɀirumbidze nomufaro mukuru noʋutera bgaŋgu, kuti simba raKristu rigare pamsoro paŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi akati, “Nyasha dzangu dzinokwana kwauri nokuti simba rangu rinoonekwa muutera kushanda kwaro kuzere.” Naizvozvo ndinotofara kudada noutera hwangu kuti simba raKristu rigare pandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pautera hwako.” Naizvozvo zviri nani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru noutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
Shona 2009?
Iye akati kwandiri: Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pavutera bwako. Naizvozvo zvirinani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru novutera bwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pautera hwako.” Naizvozvo zviri nani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru noutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.