2 Corinthians 13:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ndinonyora iɀi ndisi’po, kuti kana ndaʋa’po, ndirege kuita nehasha, seɀandakapiwa naShe simba rokusimbisa, risati riri rokuputsa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndauya ndirege kuzoita nehasha pakushandisa simba rangu, simba randakapiwa naIshe kuti ndikuvakei naro, kwete kukuparadzai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiri kunyora izvi ndiri kure nemi kuti kana ndouyako, ndirege kuva munhu akaomarara pandinoshandisa simba randakapiwa naTenzi rokuvaka kwete kupaza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka ndinonyora izvi ndisipo, kuti kana ndavapo, ndirege kuita nehasha, sezvandakapiwa naIshe simba rokusimbisa, risati riri rokuputsa.
Shona 2009?
Saka ndinonyora izvi ndisipo, kuti kana ndavapo, ndirege kuita nehasha, sezvandakapiwa naShe simba rokusimbisa, risati riri rokuputsa.
Shona SUB 2002 Bible
Saka ndinonyora izvi ndisipo, kuti kana ndavapo, ndirege kuita nehasha, sezvandakapiwa naIshe simba rokusimbisa, risati riri rokuputsa.