2 Corinthians 13:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tinonyeŋgetera Mŋari kuti murege kuita cinhu cimŋe cakaipa; handiɗaro kuti isu tiwanikwe kuti takatendeka, asi kuti imi muite ɀakarurama, kunyaŋge isu takaita saʋakarashwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino tinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa. Kwete kuti vanhu vaone kuti isu takakunda, asi kuti imi muite zvakarurama kunyange zvedu isu tichiita setakakundikana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tinonamata Mwari kuti murege kukanganisa, kwete kuti zvioneke kuti isu takabudirira asi kuti muite zvakarurama kunyange isu tichiita sokunge takakundika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tinonyengetera Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa; handidaro kuti isu tiwanikwe kuti takatendeka, asi kuti imi muite zvakarurama, kunyange isu takaita savakaraswa.
Shona 2009?
Zvino tinonyengetera Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa; handidaro kuti isu tiwanikwe kuti takatendeka, asi kuti imwi muite zvakarurama, kunyange isu takaita savakarashwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tinonyengetera Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa; handidaro kuti isu tiwanikwe kuti takatendeka, asi kuti imi muite zvakarurama, kunyangwe isu takaita savakaraswa.