2 Corinthians 2:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndakaŋga ndisinezororo pamŋeya waŋgu, nokuti handina‐kuwana’po Tito, hama yaŋgu; asi ndakawonekana naʋo, ndikaenda Makedonia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ndakanga ndisina rugare mumwoyo mangu, nokuti handina kuwanako Tito hama yangu. Saka ndakaonekana navo ndikaenda kuMasedhonia.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi ndakanga ndisina zororo mumwoyo nokuti handina kuwana hama yangu Titosi ikoko. Saka ndakavaoneka ndikaenda kuMasedhonia.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndakanga ndisina zororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakaonekana navo, ndikaenda Makedhonia.
Shona 2009?
ndakanga ndisinezororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakawonekana navo, ndikaenda Makedhonia.
Shona SUB 2002 Bible
ndakanga ndisina zororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakaonekana navo, ndikaenda Masedhonia.