2 Corinthians 2:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakanyora cinhu ici kuti kana ndaȿika, ndirege kucemedzwa naiʋo ʋaifanira kundifadza; ndicikutendai mose, kuti kufara kwaŋgu ndokwenyu mose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakanyora nenzira iyi kuitira kuti kana ndasvika ndirege kutsamwiswa navaya vaifanira kundifadza. Ndakanga ndine tariro mamuri mose, kuti muchagoverana neni mumufaro wangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyora kwandakaita ndakakunyorerai kuti kana ndauya ndirege kurwadziswa navanhu vanofanira kuti vaite kuti ndifare. Ndinonyatsoziva kuti kana ini ndichifara nemiwo mose munofara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose.
Shona 2009?
Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika, ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose.