2 Corinthians 2:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomŋoyo; ndisiŋgati mucemedzwe, asi kuti muziʋe ruɗo rukuru rwandinokuɗai narwo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndakakunyorerai ndino kusuwa kukuru, nokurwadziwa mumwoyo uye nemisodzi mizhinji, kwete kuti ndikuchemedzei asi kuti ndikuzivisei udzamu hworudo rwangu kwamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakakunyorerai ndakasuwa kwazvo ndichirwadziwa mumwoyo uye ndiine misodzi padama, kwete kuti ndikurwadzisei, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinarwo nemi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomwoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.
Shona 2009?
Nokuti ndakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomwoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.