2 Corinthians 3:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tinotaŋga ɀe kuɀirumbidza kwamuri here? Tinotȿaka here saʋamŋe ŋwadi dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dziŋgatirumbidza?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tava kutangazve kuzvirumbidza here? Kana kuti tinotsvaka here, savamwe, tsamba dzinoenda kwamuri kana dzinobva kwamuri dzinotirumbidza?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Totangazve here kuzvizuwidza nezvatiri? Tingade here sezvingadiwe navamwe, matsamba okukutaurirai zvatiri kana matsamba akadaro anobva kwamuri?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tinotangazve kuzvirumbidza kwamuri here? Tinotsvaka here savamwe tsamba dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza?
Shona 2009?
Tinotangazve kuzvirumbidza kwamuri here? Tinotsvaka here savamwe mwadhi dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza?
Shona SUB 2002 Bible
Tinotangazve kuzvirumbidza kwamuri here? Tinotsvaka here savamwe tsamba dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza?