2 Corinthians 3:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndaŋgariro dzaʋo dzakakomara; nokuti kuȿikira zuʋa ranhasi, kana suŋgano yakare icirabga, cifukidziro ico ciri’po, ʋa siŋgaratidzwi kuti munaKristu ɀinopfuʋura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa, nokuti chifukidziro chimwe chetecho chichiripo kana sungano yakare ichiverengwa. Hachina kubviswa, nokuti chinongobviswa chete muna Kristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwoyo yavo yakabva yaomarara nokuti nanhasi wose pavanoverenga chitenderano chakare, jira rimwechetero rinoramba rakafukidza nokuti rinobviswa chete muna Kristu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndangariro dzavo dzakakokomara; nokuti kusvikira zuva ranhasi, kana sungano yakare ichirawa, chifukidziro icho chiripo, chisingaratidzwi kuti muna Kristu zvinopfuura.
Shona 2009?
Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa nokuti kusvikira nhasi chidzitiro ichi chichiripo pakuverengwa kwe tesitamende yekare changa chichifanira kubviswa muna Kristu.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ndangariro dzavo dzakakokomara; nokuti kusvikira zuva ranhasi, kana sungano yakare ichirawa, chifukidziro icho chiripo, chisingaratidzwi kuti muna Kristu zvinopfuura.