2 Corinthians 3:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino isu tose tinoti ticitarira neciso cisina‐kufukidzirwa kubginya kwaShe sapaciʋoni‐ʋoni, tinoshandurwa ticifanana nomufananidzo iwoyo, ticibva pakubginya kumŋe ticienda kuno kumŋe kubginya, seɀicibva kunaShe, Mŋeya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino isu, vane zviso zvisina kufukidzwa tose tinoratidza kubwinya kwaShe, tiri kushandurwa kuti tifanane naye nokubwinya kunoramba kuchiwedzerwa, kunobva kuna Ishe, anova iye Mweya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isu tose takabviswa jira riya, mbiri yaTenzi inopenya matiri uye tiri kusandurwa tichitodzana naye, kupenya kwedu kuchingoramba kuchikurakura nokuti izvi zvinobva kuna Tenzi, Mweya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaIshe sapachioni-oni, tinosandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kunokumwe kubwinya, sezvichibva kuna Ishe, Mweya.
Shona 2009?
Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaShe sapachivoni-voni, tinoshandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kuno kumwe kubwinya, sezvinobva kuMweya waShe
Shona SUB 2002 Bible
Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaIshe sapachionioni, tinosandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kunokumwe kubwinya, sezvichibva kuna Ishe, Mweya.