2 Corinthians 3:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
hatiti takakwana isu timene, kuti titeme cinhu timene; asi kukwana kweɗu kunobva kunaMŋari;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hazvirevi kuti tinokwanisana nazvo pachedu kuti titi isu zvinobva kwatiri. Kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari akatiita kuti tikwanise kuva vashandiri vechitenderano chitsva chisina kunyorwa asi chomweya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kuna Mwari;
Shona 2009?
hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kunaMwari;
Shona SUB 2002 Bible
hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kuna Mwari;