2 Corinthians 5:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tinoziʋa kuti kana imba yeɗu yenyika, tabernakeri yeɗu, iciputswa, tinecakaʋakwa cinobva kunaMŋari, imba isina‐kuʋakwa namaʋoko, isiŋgaperi, iri kuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isu tinoziva wani kuti kana muviri uno womusasa wapasi pano watigere wapazwa, tinowana imba inobva kuna Mwari isina kuvakwa namaoko avanhu inogara nokusingaperi kudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, tabhenakeri yedu, ichiputswa, tine chakavakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko, isingaperi, iri kudenga.
Shona 2009?
Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, tabhernakeri yedu, ichiputswa, tine chakavakwa chinobva kunaMwari, imba isina kuvakwa namavoko, isingaperi, iri kudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, tabhenakeri yedu, ichiputswa, tine chakavakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko, isingaperi, iri kudenga.