2 Corinthians 5:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀatinoziʋa kutya kwaShe, tinogombedzera ʋanhu; asi tinoratidzwa heɗu kunaMŋari; ʋuye ɀino ndinoti ɗai ticiratidzwa ʋo pahana dzenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo, sokuziva kwatinoita kuti kutya Mwari kunorevei, tinokurudzira vanhu; asi zvatiri zvinozivikanwa naMwari uye tinotarisira kuti zvinozivikanwawo nehana dzenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvatinoziva kutya kwaIshe, tinogombedzera vanhu; asi tinoratidzwa hedu kuna Mwari; uye zvino ndinoti dai tichiratidzwawo muhana dzenyu.
Shona 2009?
Naizvozvo zvatinoziva kutya kwaShe, tinogombedzera vanhu; asi tinoratidzwa hedu kunaMwari; uye zvino ndinoti dai tichiratidzwavo pahana dzenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvatinoziva kutya kwaIshe, tinogombedzera vanhu; asi tinoratidzwa hedu kuna Mwari; uye zvino ndinoti dai tichiratidzwawo muhana dzenyu.