2 Corinthians 5:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hatiɀirumbidzi ɀe kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuɗa kweɗu, kuti mugone kupindura aʋo ʋanoʋimba neɀinoʋonekwa, ʋasiŋgaʋimbi neɀomŋoyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hatisi kuedza kuzvirumbidza kwamuri zvakare, asi tiri kukupai mukana wokuti muzvirumbidze nokuda kwedu, kuti mugone kupindura vaya vanozvirumbidza nokuda kwezvinhu zvinoonekwa panzvimbo yezvinhu zviri mumwoyo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uku hakusi kuda kukutaurirai zvatiri zvakare asi kuti muwane chikonzero chokuti mudade nesu kuti mukwanise kupindura avo vanozvikudza pamusana pechimiro chomunhu panze pokuzvikudza nounhu hwomunhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hatizvirumbidzizve kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuda kwedu, kuti mugone kupindura avo vanovimba nezvinoonekwa, vasingavimbi nezvomwoyo.
Shona 2009?
Hatizvirumbidzi zve kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuda kwedu, kuti mugone kupindura avo vanovimba nezvinovonekwa, vasingavimbi nezvomoyo.
Shona SUB 2002 Bible
Hatizvirumbidzizve kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuda kwedu, kuti mugone kupindura avo vanovimba nezvinoonekwa, vasingavimbi nezvomwoyo.