2 Corinthians 5:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo, kubvira ɀino hatitoŋgoziʋi munhu panyama; ʋuye kunyaŋge takaziʋa Kristu panyama, kubvira ɀino haticamuziʋi saiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuzivi saizvozvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo kubvira zvino hatichaona munhu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu; kunyange zvazvo takamboona Kristu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu, hatichamuona saizvozvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; uye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.
Shona 2009?
Naizvozvo, kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; uye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; uye kunyangwe takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.