2 Corinthians 5:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndiko kuti Mŋari wakaŋga aciyananisa nyika naye munaKristu, akasaʋaʋereŋgera kuɗarika kwaʋo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika naye muna Kristu, akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
Shona 2009?
ndiko kuti Mwari wakanga achiyananisa nyika naye munaKristu akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
Shona SUB 2002 Bible
ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika naye muna Kristu, akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.