2 Corinthians 5:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uyo, wakaŋga asiŋgaziʋi ɀiʋi, wakamuita kuti aʋe ɀiʋi nokuɗa kweɗu; kuti isu tiʋe kururama kwaMŋari maari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pedu akaita kuti iye ave chitadzo uyo akanga asingazivi chinonzi chitadzo kuti maari tive noururami hwaMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyo, akanga asingazivi zvivi, akamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.
Shona 2009?
Uyo, wakanga asingazivi zvivi, wakamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.
Shona SUB 2002 Bible
Uyo, akanga asingazivi zvivi, akamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.