2 Corinthians 6:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tembere yaMŋari iŋgatenderana seiko neɀifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMŋari mupenyu; Mŋari seɀaakareʋa, aciti: Ndicagara mukati maʋo, nokufamba mukati maʋo; ndicaʋa Mŋari waʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti tiri temberi yaMwari mupenyu. Sezvakarehwa naMwari, achiti, “Ndichagara pakati pavo ndigofamba navo, uye ndichava Mwari wavo, ivo vagova vanhu vangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Temberi yaMwari inowirirana papi nezvifananidzo zvinonamatwa saMwari. Zvino isu tiri Temberi yaMwari mupenyu sokutaura kwakaita Mwari achiti, “Ndichagara mavari ndichifamba pakati pavo uye ndichava Mwari wavo ivowo vachava vanhu vangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri temberi yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva, achiti, “Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
Shona 2009?
Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva; achiti: Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
Shona SUB 2002 Bible
Temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri temberi yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva, achiti, “Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.