2 Corinthians 7:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kucema seɀinoɗa Mŋari kunoʋuyisa kutendeʋuka, kunoisa kukuponeswa kusiŋgaɀidyi mŋoyo; asi kucema kwenyika kunoʋuyisa rufu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti kusuwa kwouMwari kunouyisa kutendeuka uko kunotungamirira kuruponeso uye hakuuyisi kudemba, asi kusuwa kwenyika kunouyisa rufu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kurwadzirwa mwoyo zvaMwari kunoita kuti munhu apinduke zvinosvitsa kuruponeso uye hazvirwadzise mwoyo; asi kurwadzirwa zvenyika kunounza rufu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kuchema sezvinoda Mwari kunouyisa kutendeuka, kunoisa kukuponwa kusingazvidyi mwoyo; asi kuchema kwenyika kunouyisa rufu.
Shona 2009?
Nokuti kuchema sezvinoda Mwari kunovuyisa kutendevuka, kunoisa kukuponeswa kusingazvidyi moyo; asi kuchema kwenyika kunovuyisa rufu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kuchema sezvinoda Mwari kunouyisa kutendeuka, kunoisa kukuponwa kusingazvidyi mwoyo; asi kuchema kwenyika kunouyisa rufu.