2 Corinthians 7:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tarirai kuti cinhu ico cokuti makacemedzwa seɀinoɗa Mŋari, cakaʋuyisa mukati menyu kushiŋgaira kukuru sei, nokuɀiɗaʋirira, nokutsamŋa, nokutya, necishuʋo, nokurwadza mŋoyo, nokutsiʋa. Paɀinhu ɀose makaɀiratidza kuti makacena pacinhu ici
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarirai zvaitwa mamuri nokusuwa uku kwouMwari: kushinga kukuru kwakadii, ishungu dzakadii kuti muzvichenese, kutsamwa kwakadii nokutya kwakadii nechishuvo chakadii, nehanya yakadii, nokuda kuona kururamisira kuchiitwa kwakadii. Pazvinhu zvose mazviratidza kuti hamuna mhosva panyaya iyi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tarisai muone kuti shungu dzokurwadzirwa zvaMwari dzakakuberekerai chii mamuri, kuti makaita shungu dzakaita sei kuzvisasamura mhaka, kuti zvakakugumburai sei uye kuti zvakakutyisai zvakadii. Ndoda kudisisa kwenyu neshungu dzenyu uyezve chirango chacho! Aiwa, makaratidza, muna zvose, kuti hamuna mhosva panyaya iyi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti tarirai kuti chinhu icho chokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, chakauyisa mukati menyu kushingaira kukuru sei, nokuzvidavirira, nokutsamwa, nokutya, nechisuo, nokurwadza mwoyo, nokutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.
Shona 2009?
Nokuti tarirai kuti chinhu icho chokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, chakavuyisa mukati menyu kushingaira kukuru sei, nokuzvidavirira, nokutsamwa, nokutya, nechishuvo, nokurwadza moyo, nokutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti tarirai kuti chinhu icho chokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, chakauyisa mukati menyu kushingaira kukuru sei, nokuzvidavirira, nokutsamwa, nokutya, nechisuwo, nokurwadza mwoyo, nokutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.