2 Corinthians 7:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, kana ndakakunyorerai, handina‐kuɀiita nokuɗa kwaiye wakaita ɀisakarurama, kana nokuɗa kwaiye wakaitirwa ɀisakarurama, asi kuti kushiŋgaira kwenyu nokuɗa kweɗu kuʋonekwe nemi mumene pamberi paMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka kunyange zvangu ndakakunyorerai, ndakanga ndisingazviiti nokuda kwaiye akaita zvakaipa, kana nokuda kwaiye akaitirwa zvakaipa, asi kuti pamberi paMwari mugone kuzvionera kuti makazvipira sei kwatiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo, kunyange ndakakunyorerai zvangu, handina kukunyorerai pamusana pewakatadza uya kana kuti pamusana pouyo akatadzirwa asi kuti shungu dzenyu kwatiri dzibude pachena kwamuri pamberi paMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, kana ndakakunyorerai, handina kuzviita nokuda kwaiye akaita zvisakarurama, kana nokuda kwaiye akaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwenyu nokuda kwedu kuonekwe nemi mumene pamberi paMwari.
Shona 2009?
Zvino, kana ndakakunyorerai, handina kuzviita nokuda kwaiye wakaita zvisakarurama, kana nokuda kwaiye wakaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwenyu nokuda kwedu kuvonekwe nemwi mumene pamberi paMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, kana ndakakunyorerai, handina kuzviita nokuda kwaiye akaita zvisakarurama, kana nokuda kwaiye akaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwenyu nokuda kwedu kuonekwe nemi mumene pamberi paMwari.