2 Corinthians 7:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana ndakaɀirumbidza necinhu kwaari pamsoro penyu, handina‐kunyadziswa; asi seɀatakataura kwamuri ɀose neɀokwaɗi, saiɀoɀo ʋo kuɀirumbidza kweɗu pamberi paTito kwakaʋonekwa kuti ndokwaɀokwaɗi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndakanga ndazvirumbidza kwaari pamusoro penyu, uye hamuna kundinyadzisa. Asi sezvo zvose zvatakataura pamusoro penyu zvaiva chokwadi, saka kuzvirumbidza kwedu kuna Tito pamusoro penyu kwakaratidza kuti ndokwechokwadiwo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakakuzuwidzai kwaari, imi mukasandinyadzisa pamusana pokuti zvatakataura zvakanga zviri zvedi, naizvozvo kuzuwa kwedu kuna Titosi kwaiva kwechokwadi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana ndakazvirumbidza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handina kunyadziswa; asi sezvatakataura kwamuri zvose nechokwadi, saizvozvowo kuzvirumbidza kwedu pamberi paTito kwakaonekwa kuti ndokwechokwadi.
Shona 2009?
Nokuti kana ndakazvirumbidza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handina kunyadziswa; asi sezvatakataura kwamuri zvose nechokwadi, saizvozvovo kuzvirumbidza kwedu pamberi paTito kwakavonekwa kuti ndokwechokwadi.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana ndakazvirumbidza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handina kunyadziswa; asi sezvatakataura kwamuri zvose nechokwadi, saizvozvowo kuzvirumbidza kwedu pamberi paTito kwakaonekwa kuti ndokwechokwadi.