2 Corinthians 7:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Handireʋi iɀi, kuti ndikupei mhoȿa; nokuti ndamboreʋa kuti imi muri mumŋoyo meɗu, kuti tife nokurarama pamŋe cete nemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Handitauri izvi kuti ndikupei mhosva; ndakambotaura kare kuti imi muri mumwoyo yedu zvokuti tingagona kurarama kana kufa pamwe chete nemi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handisi kutaura izvi kuti ndikupei mhosva. Sezvandambokutaurirai, ndimi vapamwoyo, zvokuti tinofa tose uye ticharamba tigere tose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imi muri mumwoyo medu, kuti tife nokurarama pamwechete nemi.
Shona 2009?
Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imwi muri mumoyo medu, kuti tife nokurarama pamwe chete nemi.
Shona SUB 2002 Bible
Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imi muri mumwoyo medu, kuti tife nokurarama pamwechete nemi.