2 Corinthians 7:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kunyaŋge ndakakucemedzai neŋwadi yaŋgu, handiɀidyi mŋoyo; kunyaŋge ndakaŋga ndiciɀidya mŋoyo haŋgu, ndinoʋona kuti ŋwadi iyo yakakucemedzai, asi yakaŋga iri ŋguʋa ɗuku hayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvazvo ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidembi nokuda kwaizvozvo. Kunyange zvangu ndakazvidemba, ndinoona kuti tsamba yangu yakakurwadzai, asi kwenguva duku chete,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiripo ndechokuti kunyange zvangu ndakakurwadzisai netsamba yangu, handina urombo nazvo; (kunyange zvangu ndakave nourombo nazvo.) Ndinozviziva zvangu kuti tsamba iyoyo yakakurwadzai kunyange zvazvo kwaiva kwechinguvana chete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kunyange ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidyi mwoyo; kunyange ndakanga ndichizvidya mwoyo hangu, ndinoona kuti tsamba iyo yakakuchemedzai, asi yakanga iri nguva duku hayo.
Shona 2009?
Nokuti kunyange ndakakuchemedzai nemwadhi yangu, handizvidyi moyo; kunyange ndakanga ndichizvidya moyo hangu, ndinovona kuti mwadhi iyo yakakuchemedzai, asi yakanga iri nguva duku hayo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kunyangwe ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidyi mwoyo; kunyangwe ndakanga ndichizvidya mwoyo hangu, ndinoona kuti tsamba iyo yakakuchemedzai, asi yakanga iri nguva duku hayo.