2 Corinthians 8:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti paŋguʋa ino kuwanda kwenyu kuɓatsire kushaiwa kwaʋo, kuti kuwanda kwaʋo kuɓatsire kushaiwa kwenyu ʋo; kuti kuʋe nokuenzana;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva ino kuwana kwenyu kuchavawanisa zvavanoshayiwa, kuitirawo kuti kuwana kwavo kugokuwanisaiwo zvamunoshayiwa. Ipapo pachava nokuenzana,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi kuti pave nokuenzana, panguva ino zvamuine zvakawanda movabatsirawo pavasina chokubata kudai, kuti ivo kana vava nezvakawanda imi musina pokubata vagokubatsiraiwo kuti pave nokuenzana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti panguva ino kuwanda kwenyu kubatsire kushayiwa kwavo, kuti kuwanda kwavo kubatsire kushayiwa kwenyuwo; kuti kuve nokuenzana;
Shona 2009?
kuti panguva ino kuwana kwenyu kubatsire kushaiwa kwavo, kuti kuwana kwavo kubatsire kushaiwa kwenyuvo; kuti kuve nokuenzana;
Shona SUB 2002 Bible
kuti panguva ino kuwanda kwenyu kubatsire kushayiwa kwavo, kuti kuwanda kwavo kubatsire kushayiwa kwenyuwo; kuti kuve nokuenzana;