2 Corinthians 8:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakanzwa bake kuraira kweɗu, asi ɀaakaŋga acishiŋgaira ɀikuru, wakaenda kwamuri, nokuɗa kwake hake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Tito haana kugamuchira chikumbiro chedu bedzi, asi kuti ari kuuyawo kwamuri nokushingaira kukuru uye nokuda kwake hake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakusiri kuti akanzwa chete chikumbiro changu asi kuti iye pachake aiva neshungu zvokuti iye pachezvake akada kuuya kwamuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti akanzwa hake kurayira kwedu, asi zvaakanga achishingaira zvikuru, akaenda kwamuri, nokuda kwake hake.
Shona 2009?
Nokuti wakanzwa hake kuraira kwedu, asi zvaakanga achishingaira zvikuru, wakaenda kwamuri, nokuda kwake hake.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti akanzwa hake kurayira kwedu, asi zvaakanga achishingaira zvikuru, akaenda kwamuri, nokuda kwake hake.