2 Corinthians 8:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino takatuma pamŋe cete naye hama iya, inorumbidzwa paEvaŋgeri pakereke dzose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye tiri kumutumira kwamuri pamwe chete nehama inorumbidzwa nekereke dzose paushumiri hwevhangeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tinomutuma nehama inozivikanwa pamasangano ose pamusoro pokuparidza kwake Shoko Rakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino takatuma pamwechete naye hama iya, ino rumbidzwa paVhangeri pakereke dzose;
Shona 2009?
Zvino takatuma pamwe chete naye hama iya, inorumbidzwa paevhangeri pakereke dzose;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino takatuma pamwechete naye hama iya, inorumbidzwa paVhangeri pachechi dzose;