2 Corinthians 8:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti pakati pokuidzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro waʋo mukuru, pamŋe cete noʋurombo bgaʋo bgukuru, ɀakawanza ɀikuru kusanyima kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakati pokuedzwa kukuru, mufaro wavo mukuru nokushayiwa kwavo kukuru zvakaita kuti vape zvizhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti vakayedzwa zvinorwadza kwazvo asi mufaro wavo wakafashukira vakava vanamupanegombe kunyange zvavo vakanga vava varombo vokupedzisira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti pakati pokuedzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwechete nourombo hwavo hukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo.
Shona 2009?
kuti pakati pokuidzwa kukuru kokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwe chete novurombo bwavo bwukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
kuti pakati pokuedzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwechete nourombo hwavo hukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo.