2 Corinthians 8:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Takatuma ʋo naʋo hama yeɗu, yatakaidza kazhinji tikaʋona kuti unoshiŋgaira paɀinhu ɀizhinji; asi ɀino unonyanya kushiŋgaira nokuɗa kwokutenda kukuru kwaanako kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pezvo, tiri kutuma hama yedu pamwe chete navo uyo akaratidza kwatiri nenzira dzakawanda kuti anoshingaira, uye zvino kunyanya nokuda kwokuvimba kwake kukuru nemi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamwechete naivava tiri kutumira hama yedu yatakaedza kazhinji tikaona ari munhu ane chido chokuita zvinhu mune zvizhinji asi ava nechido chakatonyanya zvino kupfuura kare pamusana pokuvimba kukuru kwaanako nemi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Takatumawo navo hama yedu, yatakaedza kazhinji tikaona kuti anoshingaira pazvinhu zvizhinji; asi zvino anonyanya kushingaira nokuda kwokutenda kukuru kwaanako kwamuri.
Shona 2009?
Takatumavo navo hama yedu, yatakaidza kazhinji tikavona kuti unoshingaira pazvinhu zvizhinji; asi zvino unonyanya kushingaira nokuda kokutenda kukuru kwaanako kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Takatumawo navo hama yedu, yatakaedza kazhinji tikaona kuti anoshingaira pazvinhu zvizhinji; asi zvino anonyanya kushingaira nokuda kwokutenda kukuru kwaanako kwamuri.