2 Corinthians 8:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ari Tito, ndiye shamŋari yaŋgu, nomuɓatsiri waŋgu kwamuri; kana dziri hama dzeɗu, ndiʋo ʋaapostora ʋekereke, ʋuye kukudzwa kwaKristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu nomubati pamwe chete neni pakati penyu; kana dziri hama dzedu, ndivo vamiririri vekereke uye kukudzwa kwaKristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana zviri zvaTitosi, ndomumwe wangu, mushandipamwe neni mubasa ratinokuitirai, asi dzimwe hama idzi, inhumwa dzamasangano uye vanopa mbiri kuna Kristu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu, nomubatsiri wangu kwamuri; kana dziri hama dzedu, ndivo vapostori vekereke, uye kukudzwa kwaKristu.
Shona 2009?
Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu, nomubatsiri wangu kwamuri, kana dziri hama dzedu, ndivo vapositora vekereke uye kukudzwa kwaKristu.
Shona SUB 2002 Bible
Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu, nomubatsiri wangu kwamuri; kana dziri hama dzedu, ndivo vapostori vechechi, uye kukudzwa kwaKristu.