2 Corinthians 8:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino seɀamakapfuʋurira paɀinhu ɀose, pakutenda, napakutaura, napakuziʋa, napakushiŋgaira kwose, naparuɗo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuʋure paɓasa iri renyasha ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi sezvamakapfuurisa pazvinhu zvose, pakutenda, pakutaura, pakuziva, napakushingaira kwose uye nomurudo rwenyu, onaiwo kuti mugonesese munyasha idzi dzokupa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino sezvo makabudirira zvikuru muzvinhu zvose izvi zvinoti: chitendero, kwouya kutaura zvakanaka kwoti ruzivo kwozoti shungu dzenyu huru dzokuda kubatsira uyezve rudo rwenyu kwatiri, chibudiriraiwo zvakanyanya pabasa iri renyasha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino sezvamakapfuurira pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuure pabasa iri renyashawo.
Shona 2009?
Zvino se zvamakapfuvurira mberi pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuvurire mberi pabasa iri renyashavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino sezvamakapfuurira pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuure pabasa iri renyashawo.