2 Corinthians 8:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti munoziʋa nyasha dzaShe weɗu, Jesu Kristu, kuti kunyaŋge akaŋga akafuma, wakaʋa murombo nokuɗa kwenyu, kuti imi noʋurombo bgake muʋe ʋafumi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange zvake akanga ari mupfumi, asi nokuda kwenyu akava murombo, kuitira kuti kubudikidza nourombo hwake imi mugopfumiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti imi munoziva nyasha dzaTenzi wedu Jesu Kristu kuti kunyange akanga akapfuma asi akazova murombo nokuda kwenyu kuti nourombo hwake imi mugova vapfumi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akapfuma, akava murombo nokuda kwenyu, kuti imi nourombo hwake muve vapfumi.
Shona 2009?
Nokuti munoziva nyasha dzaShe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akafuma, wakava murombo nokuda kwenyu, kuti imwi novurombo bwake muve vafumi.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyangwe akanga akapfuma, akava murombo nokuda kwenyu, kuti imi nourombo hwake muve vapfumi.