2 Corinthians 9:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iye, unopa mudɀari mbeu neciŋgwa, kuti ɀiʋe ɀokudya, ucakupai ʋo mbeu dzokudɀara acidziwanza, nokuwedzera ɀiɓereko ɀokururama kwenyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji yokudyara uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye Mwari anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya ndiye achakupa mbeu dzose dzaunoda uye achaitawo kuti dzikure dzibereke zvokukohwa zvakawanda zvichibva muururami hwako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iye, anopa mudyari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, achakupaiwo mbeu dzokudyara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu;
Shona 2009?
Zvino iye, unopa mudzvari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, uchakupaivo mbeu dzokudzvara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iye, anopa mudyari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, achakupaiwo mbeu dzokudyara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu;