2 Corinthians 9:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kushumira kwokuɓatsira uku hakuzadzisi kushaiwa kwaʋatȿene ɓedzi, asi kunowanzisa ʋo kuʋoŋga kunaMŋari;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ushumiri uhu hwamunoita, hahusi hwokungopa vanhu vaMwari zvavanoshayiwa bedzi, asi kuti huri kufashukirawo mukuvonga kuzhinji kuna Mwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuita basa irori, hakungagutsi zvinodiwa navatsvene chete asi kuti kunowanziridza kutendwa kwaMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kushumira kwokubatsira uku hakuzadzisi kushayiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisawo kuvonga kuna Mwari;
Shona 2009?
Nokuti kushumira kokubatsira uku hakuzadzisi kushaiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisavo kuvonga kunaMwari;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kushumira kwokubatsira uku hakuzadzisi kushayiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisawo kuvonga kuna Mwari;