2 Corinthians 9:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti ndinoziʋa kuɗa kwomŋoyo yenyu, kwandinorumbidza pamsoro penyu kunaʋaMakedonia, kuti ʋaAkaya ʋakaŋga ʋaɀigadzira kubvira makei; nokushiŋgaira kwenyu kwakamutsa ʋazhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndinoziva kuda kwamunako kuti mubatsire, uye ndakanga ndichizvirumbidza nokuda kwaizvozvo kuna veMasedhonia, ndichivaudza kuti kubvira gore rakapera, imi vari muAkaya makanga matogadzirira kupa; uye kushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji vavo kuti vapewo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ndinoziva kuzvigadzirira kwenyu kwandinozvizuwidza nako kuvanhu vokuMasedhonia ndichiti, “VokuAkaya vakagadzirira kubvira gore rakapera.” Shungu dzenyu dzakamutsa mwoyo yavazhinji vavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti ndinoziva kuda kwomwoyo yenyu, kwandinozvirumbidza nako kuna vaMakedhonia kuti, “VaAkaya vakanga vazvigadzira kubvira makei; nokushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.”
Shona 2009?
nokuti ndinoziva kuda komoyo yenyu, kwandinorumbidza pamusoro penyu kunavaMakedhonia, kuti vaAkaya vakanga vazvigadzira kubvira makei; nokushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti ndinoziva kuda kwomwoyo yenyu, kwandinozvirumbidza nako kuna vaMasedhonia kuti, “VaAkaia vakanga vazvigadzira kubvira makei; nokushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.”