2 Corinthians 9:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndakati ɀakafanira kuti ndiraire hama idzi, kuti ʋataŋge kuenda kwamuri, ʋataŋge kumbogadzira cipo cokuʋoŋga camakapikira kare, kuti ici cigare cakagadzirwa ciri cipo cokuʋoŋga, cirege kuʋa cinhu cakatorwa nesimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndakaona zvakafanira kuti ndikurudzire hama kuti dzikushanyirei pachine nguva uye kuti mugopedzisa kugadzirira nezvechipo chikuru chamakavimbisa. Ipapo chichava chipo chakagadzirirwa chakapiwa nomufaro, kwete sechipo chokumanikidzirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokusaka ndakafunga kuti ndikurudzire hama idzi, kuti dzifanotungamira ndisati ndauya, kuti dzifanogadzirira chipo chiya, chamakavimbisa, kuti chinge chakagadzirirwa, kwete zvokumanikidzira asi chinopiwa nechido.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ndakati zvakafanira kuti ndirayire hama idzi, kuti vatange kuenda kwamuri, vatange kumbogadzira chipo chokuvonga chamakapikira kare, kuti ichi chigare chakagadzirwa chiri chipo chokuvonga, chirege kuva chinhu chakatorwa nesimba.
Shona 2009?
Naizvozvo ndakati zvakafanira kuti ndiraire hama idzi, kuti vatange kuenda kwamuri, vatange kumbogadzira chipo chokuvonga chamakapikira kare, kuti ichi chigare chakagadzirwa chiri chipo chokuvonga, chirege kuva chinhu chatorwa nesimba,
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo ndakati zvakafanira kuti ndirayire hama idzi, kuti vatange kuenda kwamuri, vatange kumbogadzira chipo chokuvonga chamakapikira kare, kuti ichi chigare chakagadzirwa chiri chipo chokuvonga, chirege kuva chinhu chakatorwa nesimba.