2 Corinthians 9:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumŋe nomumŋe ŋgaaite seɀaakafuŋga pamŋoyo; arege kuita nokucema, kana nokuroʋererwa; nokuti Mŋari unoɗa munhu unopa nomufaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu mumwe nomumwe ngaape sezvaakafunga mumwoyo make kuti ape, kwete kupa achitsutsumwa kana kuti achimanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe nomumwe anofanira kuita sokuzvisarudzira kwaakaita mumwoyo make, kwete seasingadi kana seanomanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga mumwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro.
Shona 2009?
Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.
Shona SUB 2002 Bible
Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga mumwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro.