2 John 1:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndirwo ruɗo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, seɀamakanzwa kubva pakutaŋga, kuti mufambe mauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye urwu ndirwo rudo: kuti tifambe mukuteerera mirayiro yake. Sezvamakanzwa kubva pakutanga, murayiro wake ndewokuti mufambe murudo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinonzi rudo ndechichi chokuti, tinofanira kuchengeta mitemo yake. Mutemo wacho, sokunzwa kwamakaita kubvira pakutanga, ndowokuti munofanira kutevedza upenyu hworudo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirayiro yake. Ndiwoyu murayiro, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.
Shona 2009?
Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.
Shona SUB 2002 Bible
Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.