2 Kings 1:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatuma ɀe kwaari mumŋe mukuru waʋanamakumi mashanu, anaʋanhu ʋake ʋanamakumi mashanu. Iye akapindura, akati kwaari: Nhai munhu waMŋari, ɀanzi namambo: Kurumidzai muɓuruke.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvadaro mambo akazotumazve mumwe mukuru weboka ravarume makumi mashanu navanhu vake makumi mashanu! Mukuru uyu akati kuna Eria, “Munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai izvozvi!’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akatumazve kwaari mumwe mutungamiriri wechikwata chamakumi mashanu avarwi aine varwiwo vake vacho makumi mashanu. Uyu akandomutaurira achiti, “Iwe munhu waMwari iwe, zvanzi namambo, ‘Buruka nokukurumidza.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatumazve kwaari mumwe mukuru wavana makumi mashanu. Iye akapindura, akati kwaari, “Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Kurumidzai muburuke.’ ”
Shona 2009?
Akatumazve kwaari mumwe mukuru wavana makumi mashanu. Iye akapindura, akati kwaari, "Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, Kurumidzai muburuke.' "
Shona SUB 2002 Bible
Akatumazve kwaari mumwe mukuru wavana makumi mashanu. Iye akapindura, akati kwaari, “Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Kurumidzai muburuke.’ ”