2 Kings 1:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatuma ɀe mumŋe mukuru waʋanamakumi mashanu, wecitatu, anaʋanhu ʋake ʋanamakumi mashanu. Ɀino iye mukuru waʋanamakumi mashanu, wecitatu, akakwira, akafugama namabvi ake pamberi paEria, akakumbira, akati kwaari: Haiwa, munhu waMŋari, ʋupenyu bgaŋgu nobgaʋaranda ʋenyu aʋa ʋanamakumi mashanu, ŋgaciʋe cinhu cinokosha pamberi penyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka mambo akatumazve mumwe mukuru wechitatu ana varume makumi mashanu. Uyu mukuru wechitatu akakwira akazviwisira pasi namabvi ake pamberi paEria. Akamukumbira akati, “Haiwa, munhu waMwari, ndapota, upenyu hwangu nohwavarume ava makumi mashanu, isu varanda venyu, ngahuve hunokosha pamberi penyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akatuma zvakare kwaari mumwe mutungamiriri wechitatu namakumi akewo mashanu. Mutungamiriri wechitatu uyu wechikwata chamamwewo makumi mashanu akakwira akasvikopfugama mberi kwaEriya akamuteterera achiti kwaari, “Ndapota munhu waMwari, ndiri kukumbirawo kuti mubatewo upenyu hwangu noupenyu hwavaranda venyu ava makumi mashanu sechinhu chine maturo kwamuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatumazve mumwe mukuru wavana makumi mashanu; wechitatu, anavanhu vake vana makumi mashanu. Zvino iye mukuru wavana makumi mashanu, wechitatu, akakwira, akapfugama namabvi ake pamberi paEria, akakumbira, akati kwaari, “Haiwa, munhu waMwari, upenyu hwangu nohwovaranda venyu ava vana makumi mashanu, ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.
Shona 2009?
Akatumazve mumwe mukuru wavana makumi mashanu; wechitatu, anavanhu vake vana makumi mashanu. Zvino iye mukuru wavana makumi mashanu, wechitatu, akakwira, akapfugama namabvi ake pamberi paEria, akakumbira, akati kwaari, "Haiwa, munhu waMwari, upenyu hwangu nohwavaranda venyu ava vana makumi mashanu, ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.
Shona SUB 2002 Bible
Akatumazve mumwe mukuru wavana makumi mashanu; wechitatu, ana vanhu vake vana makumi mashanu. Zvino iye mukuru wavana makumi mashanu, wechitatu, akakwira, akapfugama namabvi ake pamberi paEriya, akakumbira, akati kwaari, “Haiwa, munhu waMwari, upenyu hwangu nohwovaranda venyu ava vana makumi mashanu, ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.