2 Kings 1:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo akafa seshoko raJehova rakaŋga rarebga naEria. Jehorami akamuteʋera paʋushe, akataŋga kuɓata ʋushe pagore recipiri raJehorami mŋanakomana waJehoshafati mambo waJuda; nokuti iye wakaŋga asinomŋana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo akafa, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa naEria. Nokuti Ahazia akanga asina mwanakomana, Joramu akazomutevera paushe pagore rechipiri raJehoramu, mwanakomana waJehoshafati, mambo weJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo akafa sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo waEriya, munun'una wake Jehoramu ndiye akava mambo panzvimbo pake sezvo Ahaziya uyu akanga asina mwana mukomana. Izvozvo makanga muri mugore rechipiri rokutongawo kwaJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo wokwaJudha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo akafa seshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria. Jehoramu akamutevera paushe, akatanga kubata ushe pagore rechipiri reJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha; nokuti iye wakanga asina mwana.
Shona 2009?
Naizvozvo akafa seshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria. Jehoramu akamutevera paushe, akatanga kubata ushe pagore rechipiri reJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha; nokuti iye wakanga asina mwana.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo akafa seshoko raJehovha rakanga rarehwa naEriya. Jehoramu akamutevera paushe, akatanga kubata ushe pagore rechipiri reJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha; nokuti iye wakanga asina mwana.