2 Kings 1:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Ahazia wakaŋga awira pasi napawindi yekamuri yake yokumsoro, yaiʋa paSamaria, akarwara, akatuma nhume, akati kwaʋari: Endai mundobvunza Baari‐zebubi, mŋari weEkroni, kana ndicapora pakurwara uku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Ahazia akanga awira pasi napawindo rekamuri reimba yake yapamusoro kuSamaria akakuvara. Saka akatuma nhume akati kwavari, “Endai mundobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi, kuti aone kana ndichizopora pakukuvara uku.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Ahaziya akadonha pamba yake yepamusoro muSamaria napaiva namapango akarukaniswa akaitwa zvokupiyaniswa akabva arwara, nezvo akatuma nhume akadziti, “Endai mundibvunzirewo kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi ndizive kuti ndichapora here paurwere uhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Ahazia wakanga awira pasi napawindo yekamuri yake yokumusoro, yaiva paSamaria, akarwara akatuma nhume, akati kwavari, “Endai mundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, kana ndichapora pakurwara uku.”
Shona 2009?
Zvino Ahazia wakanga awira pasi napahwindo yekamuri yake yokumusoro, yaiva paSamaria, akarwara akatuma nhume, akati kwavari, "Endai mundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, kana ndichapora pakurwara uku."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Ahazia wakanga awira pasi napahwindo rekamuri yake yokumusoro, yaiva paSamaria, akarwara akatuma nhume, akati kwavari, “Endai mundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, kana ndichapora pakurwara uku.”