2 Kings 1:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mutumŋa waJehova akati kunaEria muTishbi: Simuka, undosoŋgana nenhume dzamambo weSamaria, uti kwaʋari: Asi hapanaMŋari here pakati paIsraeri, ɀamondobvunza Baari‐zebubi, mŋari weEkroni?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, “Kwira kumusoro undosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, ‘Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvamunondobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mutumwa waTenzi akati kuna Eriya wokuTishibhi, “Simuka ukwidze kundosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, ‘Zvareva kuti muIsiraeri hamusisina Mwari here zvomoenda kundobvunzira kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, “Simuka undosangana nenhume dzamambo weSamaria, uti kwavari, ‘Asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvamondobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi?’
Shona 2009?
Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, "Simuka undosangana nenhume dzamambo weSamaria, uti kwavari, Asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvamondobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi?'
Shona SUB 2002 Bible
Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eriya muTishibhi, “Simuka undosangana nenhume dzamambo weSamaria, uti kwavari, ‘Asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvamondobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi?’